Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Jesu: Mureza Wedu WekukundaChikamu

Jesus: Our Banner of Victory

DAY 1 OF 7


Kukunda Zvivi


Adhamu naEvha pavakapandukira Mwari vakadya muchero wemuti wekuziva zvakanaka nezvakaipa mubindu reIdheni, chivi chakawedzerwa muhunhu hwevanhu. Kubvira ipapo, vanhu vakuberekwa vakaparadzana naMwari nekuda kwechivi ichocho. Nekuti Mwari akarurama, haangavi pedyo nechii. Mutestamende rekutanga, vana veIsraeri vaitarisirwa kuti vape zvibairo zvegwayana raive risina gwapa kana chipomerwa kuti varegererwe zvivi zvavo. Chibairo ichi chaifanira kuve chakanaka uye chakakwana kuripira chikwereti chinouya nezvivi - ndiyo yaive nzira imwechete kuti munhu ave akachena pamberi paMwari.


Kakawanda, Jesu anodanwa achinzi "Gwaiana raMwari", nokuti kuzvipira kwake pamuchinjikwa kwakabvisa zvivi zvemunhu wese. Chimwe chezvishamiso zvepamuchinjikwa ndechekuti kutukwa kwakauya naAdhamu naEvha kwakabviswa: Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, chibairo chakaitwa nomunhu mumwe akarurama chakabvisa zvitadzo zvemunhu wese chikagadzira nzira yokuyananisa. Nokuti Jesu akazvipira nekuda kwedu, tave nemukana wekuva nehudyidzani naMwari zvekare. Mwari paanotitarisa, haaoni kutadza kwedu - anoona kururama kwemwanakomana wake.


Sezvo tichipinda muvhiki rePasika, shandisa nguva yako uchifunga chipo chikuru chatakapihwa naJesu paakatifira kuti tiregererwe zvivi zvedu. Mupostori Pauro anotanga VaRoma 6:23 achiti, "Mubairo wechivi ndirwo rufu." Pataive muzvivi tainge takafa, takagadzirirwa kuparadzaniswa naMwari nokusingaperi. Asi Pauro anoenderera mberi nokutipa chokwadi chinoponesa: "Asi chipo chaMwari chokungopihwa ndihwo hupenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu." Nekuda kwaJesu, mubairo wezvivi zvedu wakaripwa, uye tavekukwanisa kugara muhuvepo hwaMwari nokusingaperi!


Uye, sezvo Jesu akaisa kururuma kwake pamusoro pedu, takasunugurwa kubva musimba rezvivi. Usabvume kuva muranda wehunhu hwako hwakare. Jesu akawana kukunda pamusoro pezvivi, uye anogoverana nesu kukunda uku! Wakasanangurwa kuti ufambe murusununguko. Famba murusununguko!


Chengetedza mufananidzo wanhasi here.


Zuva 2

About this Plan

Jesus: Our Banner of Victory

Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasaru...

More

Tinoda kutenda Kereke yeHighlands nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: https://www.churchofthehighlands.com

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy