1
Johwani 12:26
KoreKore Bible Translation
KBT
Wese anondishandira, anofanira kunditevera, futi pandinenge ndiri, pakarepo ndopachavawo nomuranda wangu, kana munhu achindishandira, Baba vachamukudza.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Johwani 12:25
Uyo anoda upenyu hwache achataikihwa nahwo, asi uyo anovenga upenyu hwache pasi pano, achahuchengeta kuupenyu husingapere.
3
Johwani 12:24
Chokwadi ndinokunyairirai kuti, kunze kwokunge mbeu yogorosi yawira muivhu yopfa, inogara iri yega, asi ikapfa, inoita zvibereko zvidowanda.
4
Johwani 12:46
Ndidouya ndiri sechiedza munyika, kuti wese anotenda kwandiri areke kumbondogara murima.
5
Johwani 12:47
Wese anonzva kudzidzisa kwangu, woreka kukuteerera, ndinomutongaba, ndava ndidouyaba kudzotonga nyika, asi kudzoponesa nyika.
6
Johwani 12:3
Mariya adotora chiyero chopakati nopakati chorita yochizoro chaidhura maninge chinoitiwa nadhi, ndokuchizora patsoka dzaJesu achidzipukuta nobvudzi rache, futi mumba mese mudozara kunushira.
7
Johwani 12:13
Saka vadochora tumathai tomichindwe ndokubirika kosangana naye vachidaidzira vachiti, “Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe, adokomborehwa Mambo wovaIzirairi!”
8
Johwani 12:23
Jesu adoti kwavari, “Nguwa yasvika yokuti Mwanakomana woMunhu akudziwe.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo