1
Johwani 13:34-35
KoreKore Bible Translation
KBT
Ndinokupasai mutemo mutsva, wokuti mudanane. Sekuda kwandidokuitai, naimimi mudanane daro. Kana muchidanana vanhu vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Johwani 13:14-15
Manje kana inini Ishe wenyu noMudzidzisi, ndashamba tsoka dzenyu, saka munofanirawo kushambidzana tsoka. Nokuti ndakupasai muenzaniso, kuti muitewo zvandaita kwamuri.
3
Johwani 13:7
Jesu adomupindura, “Zvandiri kuita hauzvizive iye manje, asi uchadzozvinzvitsitsa pasure.”
4
Johwani 13:16
Ndinokunyepai chokwadi kuti, muranda haakurire tenzi wache, kana nhume haikurire anoituma.
5
Johwani 13:17
Kana muchiziva zvinhu izvozvi, mudokomborehwa kana muchizviita.
6
Johwani 13:4-5
saka adosumuka kubva patafura ndokubisa jasi rache rokunze achidira padivi, achibva wazvisunga nothauro, zvino adodururira mvura mumbiya ndokuthanga kushambidza tsoka vadzidzi achidzipukuta nothauro raanga adozvisunga naro.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo