Mateo 11
11
Nhume dzaJohwani Muombeki
(Ruka 7:18-35)
1Jesu paadopedza kuraira vadzidzi vache gumi novairi, adobva pakarepo ndokuenda kodzidzisa nokuparidza mumaguta yavo.
2Johwani paanga ari mutorongo adonzva zvomabasa yaKhirisitu, adobva watuma vadzidzi vache kobvunza Jesu. 3Ivo vadomubvunza vachiti, “Ndimi chere waidzouya, kana kuti kuri kuuya umwe?”
4Jesu adovapindura achiti, “Endai konyepa Johwani zvamuri kunzva nozvamuri kuona, 5zvokuti marombe yari kuona, vadotonhora nhengo vari kutekaira, vanomabobo vari kunatsiwa, nomaburunzeve yari kunzva, vadopfa vari kumutsiwa, novarombo vari kuparidzihwa nyaya idonaka. 6Adokomborehwa asingagumbuhwe nainini!”
7Pavanga vachienda, Jesu adothanga kunyaira kumhomho pamusoro paJohwani achiti, “Chii chamudoenda koona kusango? Mudoenda koona tsanga yaigwetedzewa nomhepo chere? 8Saka mudoendereiko kusango? Mudoenda koona munhu adosimira hembe dzinodhura chere? Handiti vanosimira hembe dzinodhura vari mudzimba dzomadzimambo! 9Saka mudoenderei? Koona muporofiti chere? Inde, ndinokunyepai kuti anokunda muporofiti. 10Wakareyu ndiye adonyohwa nozvache kuti, ‘Ona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako achakunhadzirira nzira.’ 11Chokwadi ndinoti kwamuri pakati povadozvahwa novanhukadzi hapanai anokurira Johwani Muombeki. Asi mudikidiki muumambo hwokudenga, mukuru kwaari. 12Kubva pamazuva yaJohwani Muombeki kusvika zvino umambo hwokudenga huri kuhwisiwa, vanomanira vari kuhutora zvombabvu. 13Nokuti vaporofiti vese nomutemo vadoporofita kusvikira pana Johwani, 14futi kana muchida kuzvitambira, ndiye Eriya wanga achidzouya. 15Anonzeve, mbaatetekere anzve!
16Asi vanhu vonguwa ino ndingavafananidze nochii? Vadofanana novana vadogarikika pamisika, vachidaidzira kuno vavanotamba navo vachiti, 17‘Tidokuridzirai chinonje, asi hamunai kutamba, tidoridza mhere asi hamunai kurira!’ 18Ndava Johwani adouya asingaje, futi asingamwe, ivo ndokuti, ‘Anoshave!’ 19Mwanakomana woMunhu adouya achija nokumwa, ivo vadoti, ‘Onai, nyanhafu nomuraradzi, shamwari yovateresi novatadzi!’ Asi uchenjeri hunoruramisiwa nozviito zvahwene.”
Maguta yasinai Kutenda
(Ruka 10:13-15)
20Ipopo adothanga kudzuma maguta maadonyanya kuita mabasa yache yosimba, ndava havanai kupinduka. 21“Nhamu kwauri Korozini! Nhamu kwauri, Bhetisaidha! Ndava mabasa yosimba yadoitiwa mamuri dai yadoitiwa muThire noSidhoni, dai vadonangidza kupinduka kwavo nokusimira hembe dzomasaga nokuzvikupira rota. 22Asi ndinokunyepai, pazuva rokutongewa zvichatoredzera zvidonyanya kuTire noSidhoni pana imimi. 23Naiwepa Kaperenaume, uchakwiridzihwa kusvika kudenga nai? Neye uchaderedzewa kusvika muGehena. Nokuti mabasa yosimba yadoitiwa mauri, dai yadoitiwa muSodhoma, ringadai richiripo kusvika nasi. 24Asi ndinokunyepa kuti, pazuva rokutongewa zvichanyanya kutoredzera kunyika yoSodhoma pana iwepa.”
Uyai Kwandiri Muzorore
(Ruka 10:21,22)
25Panguwa yakareyo Jesu adotaura, “Ndinokutendai Baba, Ishe wokudenga nonyika, kuti mudohwanza zvinhu izvi kuno vadochenjera novanonzvitsitsa, muchizvizururira kuvana. 26Inde, Baba ndava kwakareko ndiko kuda kwenyu.
27Zvinhu zvese ndidozvipasiwa naBaba vangu, futi hapanai anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, hapanaiwo anoziva Baba kunze kwoMwanakomana nokuno uyo Mwanakomana waanosarudza kuzururira.
28Uyai kwandiri, imipa mese mudoneta nokuchokwa nomitoro, ndichakupasai zororo. 29Takurai joki rangu, mudzidze kubva kwandiri, nokuti ndidopfava uye ndino mwoyo unozvininipisa, ipopo muchawanira mweya yenyu zororo. 30Ndava joki rangu ridopusa, nomutoro wangu udoreruka.”
Currently Selected:
Mateo 11: KBT
Highlight
Share
Copy

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
The Word for The World International

: