Isaya 56:6-7
Isaya 56:6-7 SUB
“Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu; ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibairo zvavo zvichagamuchirwa paatari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.





