Hosiya 1
1
Mukadzi woupfeve waHosiya anofananidzira Isiraeri
1Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosiya mwanakomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekiya, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri.
2Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosiya, Jehovha akati kuna Hosiya, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.”
3Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana. 4Jehovha akati kwaari, “Mutumidze zita rinonzi ‘Jezireri,’ nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri. 5Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireri.” 6Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, “Mutumidze iye zita rinonzi ‘Roruhama;’ nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwire. 7Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.”
8Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana. 9Jehovha akati, “Mutumidze zita rinonzi ‘Roami;’ nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.”
10Kunyangwe zvakadaro kuwanda kwavana VaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu,” ndipapo pazvichanzi kwavari, “Muri vanakomana vaMwari mupenyu.” 11Vana vaJudha navana VaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika ino, nokuti zuva reJezireri richava guru.
Currently Selected:
Hosiya 1: SUB
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

: