YouVersion Logo
Search Icon

Mika 1

1
1Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema.
2Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose,
teerera, iwe nyika navose vari mauri,
kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva,
Jehovha ari mutemberi yake tsvene.
Kutongwa kweSamaria neJerusarema
3Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yaanogara:
anoburuka pasi agotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4Makomo achanyongodeka pasi pake
uye mipata ichapamuka,
senamo pamoto,
semvura inoyerera pamawere.
5Zvose izvi zvakaitika nokuda kwokudarika kwaJakobho,
nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.
Kudarika kwaJakobho ndokweiko?
Hakuzi Samaria here?
Nzvimbo yakakwirira yaJudha ndeipiko?
Haizi Jerusarema here?
6“Naizvozvo ndichaita Samaria murwi wamabwe,
nzvimbo yokusima minda yemizambiringa.
7Zvose zvifananidzo zvaro zvichaputswa kuita zvimedu;
zvose zvipo zvaro zvomutemberi zvichapiswa nomoto;
ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose.
Sezvo akaunganidza zvipo zvake kubva pamibayiro yezvifeve,
semibayiro yezvifeve zvichazoshandiswa zvakare.”
Kuchema noKuungudza
8Nokuda kwaizvozvo ndichachema uye ndigoungudza;
ndichafamba ndisina shangu mutsoka uye ndisina kupfeka.
Ndichaungudza segava
uye ndichachema sezizi.
9Nokuti ronda rake harirapiki;
rasvika kuna Judha.
Rasvika pasuo ravanhu vangu chaipo,
kunyange kuJerusarema chaiko.
10Musazvireva paGati;
musambochema.
MuBheti Ofira
umburukai muguruva.
11Pfuurai muende musina kupfeka mukunyara,
imi munogara muShafiri.
Avo vanogara muZaanani
havangabudi kunze.
Bheti Ezeri riri mukuchema;
kudzivirirwa kwaro kwabviswa kubva kwariri.
12Avo vanogara muMaroti mukurwadziwa kukuru
vakamirira kudzikinurwa,
nokuti njodzi yasvika ichibva kuna Jehovha,
kunyange pasuo reJerusarema.
13Imi vanogara muRakishi,
sungai mabhiza enyu pangoro.
Ndimi makava mavambo echivi
kuMwanasikana weZioni,
Nokuti kudarika kwaIsraeri
kwakawanikwa mamuri.
14Naizvozvo uchapa zvipo zvokuonekedzana
kuna Moresheti Gati.
Guta reAkizibhi richaratidza unyengeri
kumadzimambo aIsraeri.
15Ndichauyisa mukundi
kwauri iwe unogara muMaresha.
Iye anova kubwinya kwaIsraeri
achauya kuAdhuramu.
16Veurai misoro yenyu mukuchema
nokuda kwavana vamunofarira;
zviitei musvuu sowegora,
nokuti vachabva kwamuri vachienda kuutapwa.

Currently Selected:

Mika 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy