YouVersion Logo
Search Icon

Jeremia 1

1
1Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini. 2Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha, 3uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa.
Kudanwa kwaJeremia
4Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
5“Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe,
usati waberekwa, ndakakutsaura;
ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”
6Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.”
7Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira. 8Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
9Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako. 10Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure, ubvarure, uparadze, ukoromore, uvake uye usime.”
11Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?”
Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”
12Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.”
13Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?”
Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.”
14Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro. 15Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe
pamasuo eJerusarema;
vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza
uye namaguta ose eJudha.
16Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu
nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya,
vachipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari
uye vachinamata zvakaumbwa namaoko avo.
17“Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo. 18Nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika. 19Vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Currently Selected:

Jeremia 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy