YouVersion Logo
Search Icon

VaHebheru 1

1
Kristu mukuru kuVatumwa
1Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, 2asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. 3Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga. 4Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
5Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari:
“Ndiwe Mwanakomana wangu;
nhasi ndava baba vako?”
kana kutizve,
“Ndichava Baba vake,
naiye achava Mwanakomana wangu?”
6Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti:
“Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
7Achitaura pamusoro pavatumwa anoti,
“Anoita vatumwa vake mhepo,
varanda vake mirazvo yomoto.”
8Asi pamusoro poMwanakomana anoti,
“Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri,
uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu.
9Makada kururama uye mukavenga kusarurama;
naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu
nokukuzodzai namafuta okufara.”
10Anotizve,
“Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika,
uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
11Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;
zvichasakara zvose senguo.
12Muchazvipeta sejasi;
senguo zvichashandurwa.
Asi imi munoramba makadaro,
uye makore enyu haatozogumi.”
13Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari:
“Gara kurudyi rwangu
kusvikira ndaita vavengi vako
chitsiko chetsoka dzako?”
14Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?

Currently Selected:

VaHebheru 1: BDSC

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy