Mapisarema 75
75
Pisarema 75
Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Regai kuparadza.” Pisarema raAsafi. Rwiyo.
1Tinokuvongai, imi Mwari, tinokuvongai,
nokuti Zita renyu riri pedyo;
vanhu vanotaura nezvamabasa enyu anoshamisa.
2Imi munoti, “Ndinosarudza nguva yakatarwa;
ndini ndinotonga zvakarurama.
3Panozununguka nyika yose navanhu vayo,
ini ndini ndinobata mbiru dzayo zvakasimba. Sera
4Kuna vanozvikudza ndinoti, ‘Regai kuzvikudzazve,’
uye kuna vakaipa, ndinoti, ‘Regai kusimudza nyanga dzenyu.
5Regai kusimudzira nyanga dzenyu kudenga;
regai kutaura nemitsipa mikukutu.’ ”
6Hakuna munhu anobva kumabvazuva kana kumavirira,
kana anobva kugwenga angasimudzira munhu.
7Asi Mwari ndiye anotonga:
Anoderedza mumwe, achisimudzira mumwe.
8Muruoko rwaJehovha mune mukombe
uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuhwira;
anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika
vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
9Kana ndirini, ndichaparidza izvi nokusingaperi;
ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo rwokurumbidza.
10Ndichagura nyanga dzavakaipa vose,
asi nyanga dzavakarurama dzichasimudzirwa kumusoro.
Currently Selected:
Mapisarema 75: BDSC
Highlight
Share
Copy
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.

: