YouVersion Logo
Search Icon

Mapisarema 141

141
Pisarema 141
Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri.
Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri.
2Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira;
kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana.
3Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha;
chengetai mukova wemiromo yangu.
4Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa,
kuti ndiitewo mabasa akaipa
navanhu vanoita zvakaipa;
ngandirege kudya zvinozipa zvavo.
5Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi;
ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu.
Musoro wangu hauzorambi izvozvo.
Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose.
6Vatongi vavo vachakandwa kumawere,
uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo.
7Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi,
saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.”
8Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha;
ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu.
9Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo,
napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa.
10Vakaipa ngavawire mumimbure yavo,
ini ndichipfuura napo norugare.

Currently Selected:

Mapisarema 141: BDSC

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in