Isaya 46
46
Vamwari veBhabhironi
1Bheri rinokotamira pasi, Nebho rinokotama;
zvifananidzo zvavo zvinotakurwa nezvipfuwo zvinotakura mutoro.
Zvifananidzo zvacho zvinotakurwa zvinorema,
mutoro pazvipfuwo zvakaneta.
2Zvinokotama uye zvinokotamira pasi pamwe chete;
zvisingagoni kurwira mutoro,
izvo pachazvo zvinoenda kuutapwa.
3“Ndinzwei, imi imba yaJakobho,
imi mose vakasara veimba yaIsraeri,
imi vandakasimudzira kubvira muchiri mudumbu,
uye ndikakutakurai kubvira pakuzvarwa kwenyu.
4Kunyange kusvikira pakuchembera kwenyu,
bvudzi rachena, ndini iye, ndini ndichakururamisai.
Ndakakuitai uye ndichakutakurai;
ndichakuraramisai uye ndichakununurai.
5“Mungandienzanisa naaniko kana kunditi ndakaita saani?
Mungandifananidza naaniko wandingaenzaniswa naye?
6Vamwe vanodurura goridhe kubva muhomwe dzavo,
uye vanoyera sirivha pazviyero;
vanotsvaka mupfuri kuti avaitire chimwari,
vagopfugama kuti vachinamate.
7Vanochisimudzira pamapfudzi avo vagochitakura;
vanochigadzika panzvimbo yacho,
uye hecho chomira, hachigoni kufamba kuti chibvepo.
Kunyange mumwe akadanidzira kwachiri, hachipinduri;
hachigoni kumuponesa kubva pamatambudziko ake.
8“Rangarirai chinhu ichi, muchiise mupfungwa dzenyu,
muise pamwoyo yenyu, imi vapanduki.
9Rangarirai zvinhu zvakare, zviya zvekare kare;
ndini Mwari, uye hakuna mumwe;
ndini Mwari, hakuna akafanana neni.
10Ndinozivisa magumo kubva pakutanga,
kubva panguva yekare kare, izvo zvichiri kuuya.
Ndinoti: Zvandakaronga zvichaitika,
uye ndichaita zvose zvandinoda.
11Kubva kumabvazuva ndinodana gondo;
kubva kunyika iri kure kure ndinodana munhu achazadzisa kuda kwangu.
Zvandakareva ndichaita kuti zviitike;
zvandakaronga, ndichazviita.
12Nditeererei, imi vane mwoyo yakasindimara,
iyemi muri kure nokururama.
13Ndiri kuswededza pedyo kururama kwangu,
hakusi kure;
uye ruponeso rwangu haruzononotswi.
Ndichapa ruponeso kuZioni,
nokubwinya kwangu kuna Israeri.
Currently Selected:
Isaya 46: BDSC
Highlight
Copy
Compare
Share
Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.

: