YouVersion Logo
Search Icon

Esita 10

10
Ukuru hwamambo Ahasurerusi nohwaModhekai
1Mambo Ahasuerusi aiteresa mutero nyika iyoyo nenyika dzokumahombekombe kwegungwa. 2Noukuru hwake nesimba raaiva naro, mabasa ose aakaita nenhoroondo chaiyo izere yokududza pachena ukuru ukuru hwaModhekai hwaakapiwa naiye mambo zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo ePezhiya neeMidhia. 3Ndokusaka muJudha uyu Modhekai aiva mutevedzeri wamambo Ahasuerusi pachigaro. Akanga ari mukuru mukuru chaiye pakati pevaJudha ari munhu aizikanwa noruzhinji rwehama dzake, pamusana pokuti aida kuti zvinakire hama dzake; akanga ari munhu wokutaura zvorugare kuvanhu vorudzi rwake.

Currently Selected:

Esita 10: SCLB

Highlight

Copy

Compare

Share

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in