YouVersion Logo
Search Icon

Vakorose Zviri mutsamba yokuvaKorose

Zviri mutsamba yokuvaKorose
Tsamba yokuVakorose itsamba yakanyorerwa vaKristu vokuKorose. Pauro haasiriye akatanga sangano iri. Akanzwa zvechitendero chavo nomugariro wavo wakanaka; asi akanzwawo kuti sangano iri rakanga rava kuda kupinda mujodzi yokurasiswa gwara pamusana pezvidzidziso zvisiri izvo. Musangano iri makanga mavakudzidziswa kuti kana munhu uchida kuwana ruponeso unotofanira kuwana rumwe ruzivo rwomuchivande, uye kunamata mimwe mweya navatumwa uyewo kuti vanofanira kudzingiswa vachichengeta mimwe mitemo yezvokudya neyemwaka neyamaSabata. Naizvozvo akanyora tsamba iyi kuti avataurire kuti Kristu anokwana. Mweya yose nezvinhu zvose zvakasikwa nemaari ndiye muridzi wazvo; ndiye wazvakasikirwa. Imi dzikai midzi maari. Rambai kupiwa mitemo nomunhu. Isu takakudzidzisai tikakupai ruzivo noungwaru huzere (1:28).
Aya ndiwo mamiriro akaita Tsamba yokuvaKorose
Kusuma (1:1–2)
Munamato wokutenda Mwari (1:3–11)
Kununurwa kwedu (1:12–14)
I: Chidzidziso (1:15—2:5)
Kristu nebasa rake (1:15–20)
Vakorose vane mugove wavo muruponeso (1:21–23)
Basa rakaitwa naPauro (1:24—2:5)
II: Kuyambira Vakorose nezvezvidzidzo zvenhema (2:6–23)
Garai upenyu hwechitendero chenyu muna Kristu (2:6–15)
Musapiwe mhosva pasina mhosva (2:16–19)
Kufa kwedu nokumuka kwedu naKristu (2:20–23)
III: Kukurudzira upenyu hwakanaka (3:1—4:18)
Upenyu hwenyu naKristu (3:1–17)
Magariro akanaka emhuri (3:18—4:1)
Basa rokuparidza vamwe vechiKristu (4:2–18)

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in