Tsumo 2:1-5
Tsumo 2:1-5 SCLBC
Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu, uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari





