Zvakazarurwa 13:11-12
Zvakazarurwa 13:11-12 SNA2002
Zvino ndakaona chimwe chikara chichikwira, chichibva panyika; chakanga chine nyanga mbiri segwayana, chikataura seshato. Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga rokuuraya racho.





