Mapisarema 77:1-2
Mapisarema 77:1-2 SNA2002
Ndichadana kuna Mwari nezwi rangu; kuna iye Mwari nezwi rangu, acharerekera nzeve yake kwandiri. Pazuva rokutambudzika kwangu ndakatsvaka Ishe; Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa usiku, ndisingaregi; Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.





