Zvirevo 3:13-15
Zvirevo 3:13-15 SNA2002
Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama. Unokosha kupfuura korari; Hakune pfuma yako ingaenzaniswa nahwo.





