YouVersion Logo
Search Icon

Mateu 6:16-18

Mateu 6:16-18 SNA2002

“Kana muchizvinyima zvokudya, regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Vapiwa mubayiro wavo.’ Asi iwe, kana uchizvinyima zvokudya, zodza musoro wako, ugeze chiso chako; kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi kuonekwa naBaba vako vari pakavanda; zvino baba vako vanoona pakavanda, vachakupa mubayiro.

Free Reading Plans and Devotionals related to Mateu 6:16-18