Mateu 22:19-21
Mateu 22:19-21 SNA2002
Ndiratidzei mari yomutero.” Vakauya kwaari nedhenari. Zvino akati kwavari, “Mufananidzo uyu norunyoro urwu ndezvaani?” Vakati kwaari, “ZvaKesari.” Akati kwavari, “Naizvozvo, ipai Kesari zvaKesari, naMwari zvaMwari.”





