YouVersion Logo
Search Icon

Ruka 23

23
Jesu pamberi paPirato naHerodhi
(Mateu 27:1-2, 11-26; Mako 15:1-15; Johani 18:28—19:16)
1Zvino vose vakanga vakaungana, vakasimuka, vakaenda naye kuna Pirato. 2Vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu, achivadzivisa kuti varege kuvigira Kesari kuterera; uye achizviti ndini Kristu Mambo.”
3Ipapo Pirato akamubvunza, akati, “Ko uri Mambo wavaJudha here?” Akamupindura, akati, “Ndizvo zvamareva.”
4Pirato akati kuvapristi vakuru nokuvazhinji, “Handiwani mhosva kumunhu uyu.”
5Ivo vakanyanya, vachiti, “Anomutsa vanhu, achidzidzisa muJudhea rose, achitanga paGariria kusvikira pano.”
6Pirato wakati achinzwa izvozvo, akabvunza kana munhu uyu ari muGarirea. 7Akati anzwa kuti anobva kunyika yakatongwa naHerodhi, akamutumira kuna Herodhi, nokuti akanga ari muJerusaremu pamazuva iwayo.
8Zvino Herodhi akafara kwazvokwazvo achiona Jesu; nokuti aida kumuona kare, zvaakanga anzwa zvake; akafunga kuti achaona chimwe chiratidzo chingaitwa naye. 9Akamubvunza mashoko mazhinji; asi iye haana kumupindura chinhu. 10Vapristi vakuru navanyori vakamira vakamupomera mhosva zvikuru.
11NaHerodhi navarwi vake vakamuzvidza, nokumuseka; vakazomupfekedza nguo dzinobwinya, vakamudzosera kuna Pirato. 12Nomusi uyo Pirato naHerodhi vakayanana; nokuti vaivengana.
13Zvino Pirato akaunganidza vapristi vakuru namakurukota navanhu, 14akati kwavari, “Mauya kwandiri nomunhu uyu, muchiti, anotsausa vanhu; tarirai ini ndamubvunzisisa pamberi penyu, ndikasawana kumunhu uyu mhosva yezvinhu zvamunomupomera nazvo; 15kunyange naHerodhiwo; nokuti wamudzosera kwatiri; tarirai, hakuna chinhu chakaitwa naye, chakafanira rufu.
16“Naizvozvo ndichamurova, ndigomusunungura. [ 17Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe pamutambo.]”
18Asi vose vakadanidzira pamwechete, vachiti, “Bvisai munhu uyu, mutisunungurire Bharabhasi!”
19Iye akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope rakanga ramutswa muguta, neyokuuraya. 20Zvino Pirato akataurazve navo, achida kusunungura Jesu. 21Asi ivo vakaramba vachidanidzira, vachiti, “Roverai pamuchinjikwa, mumurovere pamuchinjikwa!”
22Akati kwavari rwechitatu, “Uyu akagotadzeiko? Handina kuwana mhosva yorufu kwaari.”
23Asi ivo vakasimbisa namazwi makuru, vachikumbira kuti aroverwe pamuchinjikwa. Mazwi avo akakunda. 24Zvino Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe; 25akavasunungurira uyo wavakakumbira, akanga asungwa mutorongo nemhaka yebope neyokuuraya; akavapa Jesu vaite nokuda kwavo.
Jesu anoroverwa pamuchinjikwa
(Mateu 27:32-56; Mako 15:21-41; Johani 19:17-30)
26Vakati vachienda naye, vakabata mumwe, ainzi Simoni weKurini, achibva kuruwa, vakamutakudza muchinjikwa, kuti autakure shure kwaJesu.
27Akateverwa navanhu vazhinji-zhinji, navakadzi vaimuririra nokumuchema. 28Asi Jesu akatendeukira kwavari, akati, “Vakunda veJerusaremu, musandichema ini, asi muzvicheme imi navana venyu; 29nokuti tarirai, mazuva anouya, avachati, ‘Vakaropafadzwa vasingaponi, nezvizvaro zvisina kutongobereka, namazamu asina kuyamwisa.’ 30Musi uyo muchatanga kureva kumakomo, muchiti, ‘Wirai pamusoro pedu,’ nokuzvikomo, ‘Tifukidzei.’ 31Nokuti kana vachiita izvi kumuti munyoro, wakaoma uchaitirweiko?”
32Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa.
33Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe.
34Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo. 35Vanhu vakamira, vachitarira; namakurukota vakamusekawo, vachiti, “Wakaponesa vamwe; ngaazviponese, kana ari Kristu waMwari, Mutsanangurwa wake.”
36Navarwiwo vakamuseka, vakauya kwaari, vakamupa vhiniga, 37vachiti, “Kana uri Mambo wavaJudha, uzviponese.”
38Zvino kwakanga kune runyoro pamusoro pake rwaiti, “UYU NDIMAMBO WAVAJUDHA.”
39Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.”
40Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye? 41Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.”
42Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!”
43Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.”
44Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. 45Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati. 46Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake.
47Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.”
48Vazhinji vose vakanga vakaungana kuzoona izvozvo, vakati vaona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvipfuva zvavo. 49Navazikanwi vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Gariria, vakamira kure, vachiona izvozvo.
Kuvigwa kwaJesu
(Mateu 27:57-61; Mako 15:42-47; Johani 19:38-42)
50Zvino kwakanga kuno mumwe munhu, ainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume akanaka akarurama, 51iye akanga asina kutenderana navo pakurangana, nokuita kwavo, aiva weArimatia, guta ravaJudha, akanga achimirira ushe hwaMwari; 52iye akaenda kuna Pirato, akandokumbira chitunha chaJesu, 53akachiburusa, akachiputira nomucheka, akachiuisa mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu. 54Waiva musi woKugadzirira, Sabata roda kutanga.
55Navakadzi vakanga vauya naye, vachibva Gariria, vakavatevera, vakaona bwiro, nomuisirwo womutumbi wake. 56Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta. Vakazorora nomusi weSabata vachiterera murayiro.

Currently Selected:

Ruka 23: SNA2002

Highlight

Share

Copy

None

Want to have your highlights saved across all your devices? Sign up or sign in

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy