YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 28:12-15

Mateo 28:12-15 SUB1949

Ʋakati ʋaʋuŋgana naʋakuru, ʋakaraŋgana, ʋakapa ʋarwi mari zhinji, ʋaciti: Taurai muciti: Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋusiku ʋakamuɓa, isu tiʋete. Kana ɀikanzwika nomuɓati, ticamutendisa, imi murege kusundirwa mhoȿa. Ɀino ʋakatora mari, ʋakaita seɀaʋakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati paƲaJuda, kuȿikira zuʋa ranhasi.