YouVersion Logo
Search Icon

Mateo 17:17-18

Mateo 17:17-18 SUB1949

Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye pano kwandiri. Ɀino Jesu akamuraira, mŋeya wakaipa ukaɓuɗa kwaari, mukomana akapora kubva paŋguʋa iyo.