Ezekieri 4:4-5
Ezekieri 4:4-5 SUB1949
Ʋuye ɀe, uʋate pasi parutiʋi rwako rworuɓoshwe, uise pamsoro parwo ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri; mazuʋa aunoʋata parutivi urwo ndiyo ŋguʋa yaucatakura ɀakaipa ɀaʋo. Nokuti ndakatara makore eɀakaipa ɀaʋo aenzane namazuʋa ako, mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe; saiɀoɀo ucatakura ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri.



