1
Zvakazarurwa 11:15
Shona BIBLE
SUB
Zvino mutumwa wechinomwe akaridza; mazwi makuru akavapo kudenga, achiti, “Ushe hwenyika hwava hwaIshe wedu, naKristu wake; uchahubata nokusingaperi–peri.”
Compare
Explore Zvakazarurwa 11:15
2
Zvakazarurwa 11:18
Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.”
Explore Zvakazarurwa 11:18
3
Zvakazarurwa 11:3
Ndicharaira zvapupu zvangu zviviri kuti zviporofite, zvakapfeka masaga, mazuva ane chiuru china mazana maviri namakumi matanhatu.”
Explore Zvakazarurwa 11:3
4
Zvakazarurwa 11:11
Zvino mazuva matatu nehafu akati apfuura, mweya woupenyu, wakabva kuna Mwari, ukapinda mukati mavo, vakamira netsoka dzavo, kutya kukuru kukawira vose vakavaona.
Explore Zvakazarurwa 11:11
5
Zvakazarurwa 11:6
Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namatambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Explore Zvakazarurwa 11:6
6
Zvakazarurwa 11:4-5
Ava ndiyo miorivhi miviri nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paIshe wenyika. Kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurayiwa saizvozvo.
Explore Zvakazarurwa 11:4-5