1
Jeremiya 44:16-17
Shona BIBLE
SUB
“Kana riri shoko rawakatiudza nezita raJehovha, hatingakutereri. Asi zvirokwazvo tichaita shoko rimwe nerimwe rakabuda mumiromo yedu, tichapisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, sezvatakaita isu namadzibaba edu namadzimambo edu namachinda edu, pamaguta aJudha nomunzira dzomuJerusaremu; nokuti nenguva iyo taiva nezvokudya zvizhinji, taifara pamuviri, tikasaona njodzi.
Compare
Explore Jeremiya 44:16-17
2
Jeremiya 44:18
Asi kubvira panguva yatakarega kupisira vahosi vokudenga zvinonhuwira, nokuvadururira zvipiriso zvinodururwa, takashaiwa zvose, tikapedzwa nomunondo nenzara.
Explore Jeremiya 44:18
3
Jeremiya 44:23
Zvamakapisa zvinonhuwira, zvamakatadzira Jehovha, mukasateerera izwi raJehovha, mukasafamba nomurairo wake, kana nezvirevo zvake, kana nezvaakapupura, naizvozvo zvakaipa izvi zvakakuwirai, sezvakakuwirai, sezvazvakaita zuva ranhasi.”
Explore Jeremiya 44:23