Iwe uti kuvanhu ava, “Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinoisa pamberi penyu nzira youpenyu nenzira yorufu.’
“Ani naani unorambira muguta rino uchaurayiwa nomunondo nenzara nechirwere; asi ani naani unobuda akaenda kuvaKaradhia vanokukombai, iye uchararama, upenyu hwake huchava kwaari chinhu chaakapamba.