1
Ezekieri 33:11
Shona BIBLE
SUB
“Uti kwavari, ‘Noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha handifariri rufu rwowakaipa, asi kuti wakaipa atendeuke panzira yake; tendeukai, tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, nokuti muchafireiko, imi imba yaIsiraeri?’
Compare
Explore Ezekieri 33:11
2
Ezekieri 33:7
“Saizvozvowo iwe Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire paimba yaIsiraeri; naizvozvo chinzwa shoko rinobuda mumuromo mangu, uvanyevere panzvimbo yangu.
Explore Ezekieri 33:7
3
Ezekieri 33:9
Asi kana ukanyevera wakaipa pamusoro penzira yake, uchiti atendeuke pairi, akasatendeuka panzira yake, iye achafa nokuda kwezvakaipa zvake, asi iwe warwira hako mweya wako.”
Explore Ezekieri 33:9
4
Ezekieri 33:6
Asi kana nharirire ikaona munondo ichiuya, akasaridza hwamanda, vanhu vakasanyeverwa, munondo ukasvika, ukabvisa mumwe pakati pavo, wabviswa hake nokuda kwezvakaipa zvake, asi ropa rake ndicharibvunza paruoko rwenharirire.’ ”
Explore Ezekieri 33:6
5
Ezekieri 33:5
Akanzwa kurira kwehwamanda, akasatenda kunyeverwa, ropa rake richava pamusoro pake; dai akatenda kunyeverwa, angadai akaponesa mweya wake.
Explore Ezekieri 33:5