1
1 Johani 2:15-16
Shona BIBLE
SUB
Musada nyika kunyangwe nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwemeso nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.
Compare
Explore 1 Johani 2:15-16
2
1 Johani 2:17
Nyika inopfura nokuchiva kwayo; asi anoita kuda kwaMwari, anogara nokusingaperi.
Explore 1 Johani 2:17
3
1 Johani 2:6
uyo, anoti, ndinogara maari, anofanira kufambawo sezvaakafamba iye.
Explore 1 Johani 2:6
4
1 Johani 2:1
Vana vangu vaduku, ndinokunyorerai zvinhu izvi, kuti, murege kutadza. Kana munhu achitadza, tinomurevereri kuna Baba, iye Jesu Kristu akarurama
Explore 1 Johani 2:1
5
1 Johani 2:4
Uyo, anoti ndinomuziva, asingachengeti mirairo yake, murevi wenhema, chokwadi hachisi maari
Explore 1 Johani 2:4
6
1 Johani 2:3
Ndizvo zvinotizivisa kuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yake.
Explore 1 Johani 2:3
7
1 Johani 2:9
Uyo, anoti, ndiri muchiedza, achivenga hama yake, achiri murima kusvikira zvino.
Explore 1 Johani 2:9
8
1 Johani 2:22
Ndianiko murevi wenhema, kana asati ari iye anoramba kuti Jesu ndiye Kristu? Ndiye Andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
Explore 1 Johani 2:22
9
1 Johani 2:23
Ani naani anoramba Mwanakomana, naiye haana Babawo.
Explore 1 Johani 2:23