1
1 VaKorinde 9:25-26
Shona BIBLE
SUB
Mumwe nomumwe, anoshingaira pakutamba, anozvidzora pazvose. Zvino ivo vanozviita kuti vawane korona inoora, asi isu kuti tiwane isingaori. Zvino ini handimhanyi somunhu asingazivi; handirwi somunhu anorova mhepo
Compare
Explore 1 VaKorinde 9:25-26
2
1 VaKorinde 9:27
asi ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva akaraswa ndimene.
Explore 1 VaKorinde 9:27
3
1 VaKorinde 9:24
Hamuzivi here kuti avo vanoita nhangemutange, vanomhanya vose, asi mumwechete anopiwa mubairo? Mhanyai saizvozvo, kuti muuwane.
Explore 1 VaKorinde 9:24
4
1 VaKorinde 9:22
Kuna vasina simba ndakava asina simba, kuti ndiwane vasina simba; ndakava zvose kuvanhu vose, kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.
Explore 1 VaKorinde 9:22