1
Mako 8:35
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri achahuponesa.
Compare
Explore Mako 8:35
2
Mako 8:36
Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?
Explore Mako 8:36
3
Mako 8:34
Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera.
Explore Mako 8:34
4
Mako 8:37-38
Kana kuti munhu angaripeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Kana munhu achinyadziswa neni uye namashoko angu murudzi urwu rwoufeve uye runotadza, Mwanakomana woMunhu achanyadziswawo naye paanouya mukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.”
Explore Mako 8:37-38
5
Mako 8:29
Iye akati, “Asi imi munoti kudini? Munoti ndini aniko?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu.”
Explore Mako 8:29