1
Mako 6:31
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Zvino nokuda kwokuti vanhu vazhinji vakanga vachingouya nokuenda zvokuti havana kugona kuwana kunyange mukana wokudya, akati kwavari, “Handei tose, imi neni chete, kunzvimbo yakanyarara kuti mumbondozorora.”
Compare
Explore Mako 6:31
2
Mako 6:4
Jesu akati kwavari, “Muprofita haakudzwi muguta romunyika yokwake, pakati pehama dzake, nomumba make chete.”
Explore Mako 6:4
3
Mako 6:34
Jesu akati aburuka uye achiona vanhu vazhinji zhinji, akavanzwira tsitsi, nokuti vakanga vakaita samakwai asina mufudzi. Saka akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
Explore Mako 6:34
4
Mako 6:5-6
Haana kugona kuita zvishamiso zvipi zvazvo imomo, kunze kwokuisa maoko ake pamusoro pavanhu vashoma vairwara uye nokuvaporesa. Akashamiswa nokusatenda kwavo. Ipapo Jesu akapota nemisha achidzidzisa.
Explore Mako 6:5-6
5
Mako 6:41-43
Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.
Explore Mako 6:41-43