1
Mateo 16:24
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
Compare
Explore Mateo 16:24
2
Mateo 16:18
Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi.
Explore Mateo 16:18
3
Mateo 16:19
Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.”
Explore Mateo 16:19
4
Mateo 16:25
Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
Explore Mateo 16:25
5
Mateo 16:26
Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
Explore Mateo 16:26
6
Mateo 16:15-16
Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
Explore Mateo 16:15-16
7
Mateo 16:17
Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga.
Explore Mateo 16:17
Home
Bible
Plans
Videos