1
Mateo 10:16
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva.
Compare
Explore Mateo 10:16
2
Mateo 10:39
Ani naani anowana upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi uyo acharasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.
Explore Mateo 10:39
3
Mateo 10:28
Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.
Explore Mateo 10:28
4
Mateo 10:38
Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.
Explore Mateo 10:38
5
Mateo 10:32-33
“Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi ani naani anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
Explore Mateo 10:32-33
6
Mateo 10:8
Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo.
Explore Mateo 10:8
7
Mateo 10:31
Naizvozvo musatya nokuti munokosha kupfuura shiri duku zhinji.
Explore Mateo 10:31
8
Mateo 10:34
“Musafunga kuti ndakauya kuzouyisa rugare panyika. Handina kuuya kuzouyisa rugare asi munondo.
Explore Mateo 10:34
Home
Bible
Plans
Videos