1
Isaya 51:12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai. Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa, vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo
Compare
Explore Isaya 51:12
2
Isaya 51:16
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iyeni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”
Explore Isaya 51:16
3
Isaya 51:7
“Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo.
Explore Isaya 51:7
4
Isaya 51:3
Zvirokwazvo Jehovha achanyaradza Zioni, uye achatarira netsitsi pamusoro pamatongo aro ose; achaita magwenga aro kuti afanane neEdheni, marenje aro achafanana nebindu raJehovha. Kupembera nomufaro zvichawanikwa mariri, kuvonga nenzwi rokuimba.
Explore Isaya 51:3
5
Isaya 51:11
Vakasunungurwa vaJehovha vachadzoka. Vachapinda muZioni vachiimba; mufaro usingaperi uchava korona pamisoro yavo. Mufaro nokupembera zvichafashukira, uye kusuwa nokukahadzika zvichatiza.
Explore Isaya 51:11