1
Muparidzi 1:18
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Nokuti muuchenjeri huzhinji mune kusuwa kuzhinji; kuwanda kwezivo, kuwandawo kwokuchema.
Compare
Explore Muparidzi 1:18
2
Muparidzi 1:9
Chakanga chiripo, chichazovapozve, chakamboitwa chichaitwazve; hapana chitsva pasi pezuva.
Explore Muparidzi 1:9
3
Muparidzi 1:8
Zvinhu zvose zvinonetesa, zvisina ani angazvitaura. Ziso hariguti kuona, uye nzeve haizari nokunzwa.
Explore Muparidzi 1:8
4
Muparidzi 1:2-3
Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.” Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva?
Explore Muparidzi 1:2-3
5
Muparidzi 1:14
Ndakaona zvinhu zvose zvinoitwa pasi pezuva; zvose hazvo hazvina maturo, kudzingana nemhepo bedzi.
Explore Muparidzi 1:14
6
Muparidzi 1:4
Zvizvarwa zvinouya uye zvizvarwa zvinoenda, asi nyika inogara nokusingaperi.
Explore Muparidzi 1:4
7
Muparidzi 1:11
Vanhu vakare havacharangarirwi; uye kunyange vanovatevera, havachazorangarirwi nevanozotevera.
Explore Muparidzi 1:11
8
Muparidzi 1:17
Ipapo ndakazvipira kutsvaka kunzwisisa uchenjeri uyezve noupengo noupenzi, asi ndakadzidzawo zvakare kuti, naizvozviwo kudzingana nemhepo.
Explore Muparidzi 1:17
YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy
Home
Bible
Plans
Videos