1
1 VaTesaronika 5:16-18
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera; vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
Compare
Explore 1 VaTesaronika 5:16-18
2
1 VaTesaronika 5:23-24
Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.
Explore 1 VaTesaronika 5:23-24
3
1 VaTesaronika 5:15
Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.
Explore 1 VaTesaronika 5:15
4
1 VaTesaronika 5:11
Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.
Explore 1 VaTesaronika 5:11
5
1 VaTesaronika 5:14
Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose.
Explore 1 VaTesaronika 5:14
6
1 VaTesaronika 5:9
Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
Explore 1 VaTesaronika 5:9
7
1 VaTesaronika 5:5
Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima.
Explore 1 VaTesaronika 5:5
Home
Bible
Plans
Videos