1
Varoma 12:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Musatevedzere zvenyika asi vandudzwai muve vatsva mupfungwa dzenyu kuti munyatsoziva kuti zvinoda Mwari ndezvipi uye kuti zvakanaka ndezvipi zvinofadza Mwari uye zvakaruramisisa.
Compare
Explore Varoma 12:2
2
Varoma 12:1
Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama dzangu, pamusana petsitsi dzakaitwa naMwari, kuti mupire miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene chinofadza Mwari; ndiko kunamata kwezvomweya ikoko.
Explore Varoma 12:1
3
Varoma 12:12
Farai muchitarisiro chenyu, tirirai mumatambudziko enyu. Rambai muchingonamata.
Explore Varoma 12:12
4
Varoma 12:21
Usakundwe nezvakaipa asi kunda zvakaipa nokuita zvakanaka.
Explore Varoma 12:21
5
Varoma 12:10
Idanai somukomanomunun'una. Kundai vamwe pakuremekedzana.
Explore Varoma 12:10
6
Varoma 12:9
Rudo ngarurege kuva rwokungonyengedzera, vengai chakaipa, rambai makati kwati kwati nezvakanaka.
Explore Varoma 12:9
7
Varoma 12:18
Kana zvichikwanisika sokugona kwenyu garisanai navanhu vose zvakanaka.
Explore Varoma 12:18
8
Varoma 12:19
Hama dzangu dzadiwa, musatsividze asi zvisiirei kuna Mwari anoranga nehasha dzake nokuti zvakanyorwa zvichinzi, “Kutsividza ndokwangu. Ini ndini ndinodzorera.” Ndizvo zvinotaura Tenzi.
Explore Varoma 12:19
9
Varoma 12:11
Rambai uri moto moto pakushandira Mwari; muchinganduma naMweya Mutsvene; shandirai Tenzi.
Explore Varoma 12:11
10
Varoma 12:3
Pamusana pechipo chandakapiwa nenyasha dzaMwari ndinoda kudzora munhu oga oga pakati penyu kuti arege kuzvitora soopamusoro kupinda zvaari asi nepfungwa dzakagadzana kuzviera maererano nechitendero chaakapiwa naMwari.
Explore Varoma 12:3
11
Varoma 12:17
Musatsive chakaipa nechakaipa. Vavarirai kuita chinenge chichinzi navose chakanaka.
Explore Varoma 12:17
12
Varoma 12:16
Garai muchinzwanana; Musazvikudze. Fambidzanai navapasi pasi. Musambozvitutumadza.
Explore Varoma 12:16
13
Varoma 12:20
Kwete, kana muvengi wako ane nzara mupe chokudya. Kana ane nyota mupe chokunwa. Nokuti ukaita zvakadaro unotounganidza mazimbe omoto pamusoro pake.
Explore Varoma 12:20
14
Varoma 12:14-15
Itii, Mwari ngaakomborere vanokushushai; vakumbirirei chikomborero, musavarengerere rushambwa. Farai navanofara, muchemewo navanochema.
Explore Varoma 12:14-15
15
Varoma 12:13
Bisawo mugove wako wokubatsira varurami vanenge vasina chokubata. Gamuchiranai mudzimba dzenyu.
Explore Varoma 12:13
16
Varoma 12:4-5
Sezvakangoita kuti mumuviri mumwechete mune mitezo mizhinji. Uye mitezo iyoyo yose haishandi basa rimwechete. Ndizvozvowo zvimwechete nesu kunyange takawanda kudai, tiri muviri mumwechete muna Kristu uye mumwe nomumwe mutezo wavamwe vose.
Explore Varoma 12:4-5