1
Nziyo 37:4
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Fara naTENZI iye achakupa zviri pamwoyo pako.
Compare
Explore Nziyo 37:4
2
Nziyo 37:5
Isa upenyu hwako muna TENZI vimba naye, iye achaona zvokuita.
Explore Nziyo 37:5
3
Nziyo 37:7
Iti zii-i pana TENZI umumirire chinyararire. Usazvinetse zvako nezvomunhu anobudirira mune zvaanoita, munhu anoita zvinhu zvakaipa.
Explore Nziyo 37:7
4
Nziyo 37:3
Vimba naTENZI uite zvakanaka, naizvozvo uchagara panyika ugarike.
Explore Nziyo 37:3
5
Nziyo 37:23-24
Munhu kana achifamba anotungamirirwa naTENZI; anosimbisa munhu ano mugariro unomufadza Kunyange akawa, haabva ati mbombombo nokuti TENZI ndiye anomubata ruoko.
Explore Nziyo 37:23-24
6
Nziyo 37:6
Achaita kuti ururami hwako hubude pachena sechiedza uye mamiriro oupenyu hwako sezuva ramasikati.
Explore Nziyo 37:6
7
Nziyo 37:8
Regera kuita hasha, usaite godo rega kuzvidya mwoyo zvinokupinza munezvakaipa
Explore Nziyo 37:8
8
Nziyo 37:25
Ndakanga ndiri muduku asi zvino ndakwegura, asi handina kumboona vakarurama vachiraswa kana vana vake vachikumbira chingwa.
Explore Nziyo 37:25
9
Nziyo 37:1
Usazvinetse nezvevanhu vakaipa, usaitire shanje vanoita zvakaipa
Explore Nziyo 37:1
Home
Bible
Plans
Videos