1
Vagaratia 6:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ngatiregei kuneta kuita zvakanaka nokuti nenguva yacho tichazokohwa kana tikarega kurasa mwoyo.
Compare
Explore Vagaratia 6:9
2
Vagaratia 6:10
Naizvozvo patinenge tangowaniswawo nguva yacho ngatiitei zvakanaka kumunhu ari wose wose, asi zvikuru kune vemhuri yechitendero chedu.
Explore Vagaratia 6:10
3
Vagaratia 6:2
Batsiranai mukutakura mitoro yenyu. Saizvozvo munobva mazadzisa mutemo waKristu.
Explore Vagaratia 6:2
4
Vagaratia 6:7
Musazvinyengedze nokuti Mwari haaitwi chiseko. Munhu zvaunodyara ndizvo zvaunokohwa.
Explore Vagaratia 6:7
5
Vagaratia 6:8
Munhu anodyara zvinonangana nomuviri wake, mumuviri iwoyo anozokohwamo kuora kwawo. Anodyarawo zvinonangana nemweya wake anokohwawo mumweya wake upenyu usingaperi.
Explore Vagaratia 6:8
6
Vagaratia 6:1
Hama dzangu, kana mumwe wenyu apindwa nokukanganisa kwakadii zvako, imi vanamati, vanaMweya, mudzorei zvakapfava zvinyoro asi muchizvichenjererawo nokuti imi mungadaro mukaedzwawo.
Explore Vagaratia 6:1
7
Vagaratia 6:3-5
Kana munhu achizviti ndini pano iye pasina zvaari anozvinyengedza. Munhu wose ngaazviongorore mabasa ake. Pakadaro chaanozozvirovera dundundu zvinhu zvinenge zviri maari pachake kwete zvokuzvienzanisa navamwe nokuti mumwe nomumwe ane zvinomuremera zvaanofanira iye pachake kutakurana nazvo.
Explore Vagaratia 6:3-5
Home
Bible
Plans
Videos