1
2 Timoti 4:7
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ini ndakarwisa zvakanaka; ndakapedza mujaho, ndakachengeta chitendero.
Compare
Explore 2 Timoti 4:7
2
2 Timoti 4:2
Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa.
Explore 2 Timoti 4:2
3
2 Timoti 4:3-4
Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano.
Explore 2 Timoti 4:3-4
4
2 Timoti 4:5
Iwe ramba wakasimba, tirira matambudziko. Ita basa romuparidzi weShoko Rakanaka. Ita basa rako.
Explore 2 Timoti 4:5
5
2 Timoti 4:8
Kubva zvino ndakachengeterwa chiremba choururami, chandakagadzirirwa naTenzi mutongi wakarurama chaachandipa paZuva riya riya, kwete ini ndoga asi vose vanofarira kuzviratidza kwake.
Explore 2 Timoti 4:8
Home
Bible
Plans
Videos