1
Mateu 12:36-37
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero nokuti mazwi ako ndiwo achakupembedza uye mazwi ako ndiwo achakubatisa nemhosva.”
Compare
Explore Mateu 12:36-37
2
Mateu 12:34
Imi vana venyoka, mungataure sei zvakanaka imi makaipa, nokuti muromo unotaura zvinenge zvichitofashukira mumwoyo.
Explore Mateu 12:34
3
Mateu 12:35
Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi.
Explore Mateu 12:35
4
Mateu 12:31
Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, chitadzo chipi nechipi zvacho nokushonha Mwari kupi nokupi zvako kunoregererwa vanhu, asi kushonha Mweya hakuregererwi.
Explore Mateu 12:31
5
Mateu 12:33
“Itai kuti muti uve wakanaka, muchero wawo uchavawo wakanaka; itai kuti muti uve wakaipa muchero wawo uchavawo wakaipa, nokuti muti unozivikanwa nomuchero wawo.
Explore Mateu 12:33