1
Jemusi 3:17
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Asi ungwaru hunobva kudenga, pokutanga hutsvene kwouya kuti ndehwerugare nemwoyo murefu, hunonzwisisa, uye huzere tsitsi, hune michero yakanaka husina chinokahadzisa kana chinonyengedza.
Compare
Explore Jemusi 3:17
2
Jemusi 3:13
Ndiani akangwara uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze izvozvo nomugariro wake wakanaka unoitwa muungwaru hwokuzvidukupisa.
Explore Jemusi 3:13
3
Jemusi 3:18
Muchero woururami unodyarwa murugare navawadzanisi.
Explore Jemusi 3:18
4
Jemusi 3:16
Nokuti pane shanje noundingoveni hwakaipa, panoita nyonganyonga nokuita kose kwakashata.
Explore Jemusi 3:16
5
Jemusi 3:9-10
Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro.
Explore Jemusi 3:9-10
6
Jemusi 3:6
Rurimi moto. Rurumi inyikawo pachayo nokwayo youipi mukati menhengo dzomuviri wedu. Runosvibisa munhu wose sezvaari ruchingandutsa nomoto nzira youpenyu hwose hwomunhu. Irwowo runobatidzwa nomoto warwo negehena.
Explore Jemusi 3:6
7
Jemusi 3:8
Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu.
Explore Jemusi 3:8
8
Jemusi 3:1
Hama dzangu, vazhinji venyu ngavarege kuva vadzidzisi nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvakatonyanya kuomarara.
Explore Jemusi 3:1