1
Jemusi 1:2-3
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Hama dzangu, onai sechinhu chinofadza pose pamunowirwa nemiedzo yakasiyana–siyana nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira.
Compare
Explore Jemusi 1:2-3
2
Jemusi 1:5
Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari.
Explore Jemusi 1:5
3
Jemusi 1:19
Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa
Explore Jemusi 1:19
4
Jemusi 1:4
Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina.
Explore Jemusi 1:4
5
Jemusi 1:22
Naizvozvo ivai vaiti vezvinorehwa neshoko kwete vanzwi chete muchizvinyengedza
Explore Jemusi 1:22
6
Jemusi 1:12
Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda.
Explore Jemusi 1:12
7
Jemusi 1:17
Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka.
Explore Jemusi 1:17
8
Jemusi 1:23-24
nokuti kana munhu achingova munzwi bedzi weshoko, asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira huso hwake hwaakaberekwa nahwo muchiringiriro; nokuti anozviongorora zvake oenda asi obva akanganwa zvaari.
Explore Jemusi 1:23-24
9
Jemusi 1:27
Unamati hwakanyatsoti tsvikiti husina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba, ndohuhu: kushanyira nherera nechirikadzi munhamo dzadzo uye kuzvibata usingasvibiswi nenyika.
Explore Jemusi 1:27
10
Jemusi 1:13-14
Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake.
Explore Jemusi 1:13-14
11
Jemusi 1:9
Kana hama mutendi, munhuwo zvake, akasimudzirwa pamusoro ngaafare
Explore Jemusi 1:9