1
Mabasa 2:38
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene.
Compare
Explore Mabasa 2:38
2
Mabasa 2:42
Vakaramba vangoti kwati kwati nezvaidzidziswa navapositori uye vakaramba vakabatana navo nomukumedura chingwa nomukunamata.
Explore Mabasa 2:42
3
Mabasa 2:4
Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure.
Explore Mabasa 2:4
4
Mabasa 2:2-4
Pakarepo kwakava nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba kukazadza imba yose yavakanga vagere. Vakaona marimi anenge omoto akapararana achindogara pano mumwe nomumwe wavo. Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure.
Explore Mabasa 2:2-4
5
Mabasa 2:46-47
Zuva nezuva, nomwoyo mumwechete vaienda pamwechete kuTemberi vachimedura chingwa mudzimba dzavo. Vaidya chokudya nomwoyo unofara nemwoyo unopa vachirumbidza Mwari vachidiwa navanhu vose. Tenzi vaiwanziridza uwandu hwavo zuva nezuva hwaavo vainge vachiponeswa.
Explore Mabasa 2:46-47
6
Mabasa 2:17
“ ‘Mumazuva okupedzisira, ndizvo zviri kutaura Mwari, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. Vechidiki venyu vachaona zviratidzo, vakwegura venyu vacharotswa hope.
Explore Mabasa 2:17
7
Mabasa 2:44-45
Vose vaitenda vaigara pamwechete, zvinhu zvavo zviri zvavo vose. Vaitengesa zvavaiva nazvo nezvinhu zvavo vachizvigovera vose, munhu achipiwa zvaainge asina.
Explore Mabasa 2:44-45
8
Mabasa 2:21
Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTenzi achaponeswa.’
Explore Mabasa 2:21
9
Mabasa 2:20
Zuva richasandurwa kuva rima, mwedzi ugoita ropa; zuva guru raTenzi risati rasvika, zuva guru, zuva risingaitiki.
Explore Mabasa 2:20