1
Nziyo 62:8
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Vimbai naye nguva dzose imi vanhu, turirai kwaari zvose zviri mumwoyo menyu Mwari ndiye diziro redu. Dzepfunde
Compare
Explore Nziyo 62:8
2
Nziyo 62:5
Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti ndinotarisira kwaari.
Explore Nziyo 62:5
3
Nziyo 62:6
Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handimbozungunutswa.
Explore Nziyo 62:6
4
Nziyo 62:1
Ini ndinomirira zvangu Mwari ndakanyarara nokuti kwaari ndiko kunobva ruponeso rwangu.
Explore Nziyo 62:1
5
Nziyo 62:2
Iye chete ndiye dombo rangu noruponeso rwangu ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo handizobva ndazunguzwa zvakanyanya.
Explore Nziyo 62:2
6
Nziyo 62:7
Ruponeso rwangu nokuremekedzwa kwangu zvinobva kuna Mwari Mwari ndiye dombo rangu rakasimba nediziro rangu.
Explore Nziyo 62:7