1
Muparidzi 2:26
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Nokuti munhu, anofadza Mwari anomupa ungwaru neruzivo nerufaro. Asi mutadzi anomupa basa rokunhongerera achiunganidza zvinhu zvokuzopiwa zvazvo kumunhu anofadza Mwari. Izvozviwo zvinopazamisa musoro uye kunongova kudzingirira mhepo.
Compare
Explore Muparidzi 2:26
2
Muparidzi 2:24-25
Hapana chakanaka kumunhu pane kudya zvake nokunwa nokuzvifadza nezvaanenge ashandira. Izvi ndakazvionawo kuti chipo chinobva muruoko rwaMwari; nokuti pasina iye ndiani angadye ndiani angapafare?
Explore Muparidzi 2:24-25
3
Muparidzi 2:11
Ndazoti rangarirei basa rose ramaoko angu nokushingaira kwandakaita pariri, ndakaona zvose zvisinganzwisisiki uye kuri kudzingirirana nemhepo uye kuti hapana chaunowana munhu pasi pedenga.
Explore Muparidzi 2:11
4
Muparidzi 2:10
Chainge chadiwa nemeso angu handina kuzvirambidza. Chaidawo mwoyo wangu chokuzvifadza handaizvirambidza. Ndainzwa mwoyo kufara nebasa rangu rose. Ndiwo waivawo mubayiro wangu webasa rangu rose.
Explore Muparidzi 2:10
5
Muparidzi 2:13
Ndakazoona kuti ungwaru hunopfuura upenzi sokupfuura kunoita chiedza rima.
Explore Muparidzi 2:13
6
Muparidzi 2:14
Mungwaru anogara akazarura maziso ake asi benzi rinofamba murima asiwo chandinoziva ndechokuti firo yavo vose imwechete.
Explore Muparidzi 2:14
7
Muparidzi 2:21
nokuti dzimwe nguva munhu anenge ashanda noungwaru noruzivo uye noumhizha anofanira kusiya zvose zvokuzofadza zvazvo munhu asina kuzvishandira. Izvozvi hazvinzwisisiki uye zvakaipa kwazvo.
Explore Muparidzi 2:21