1
Mabasa 1:8
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?”
2
Mabasa 1:7
Iye akati, “Hazvisi zvenyu kuziva misi nenguva dzakatemwa naBaba nesimba ravo.
3
Mabasa 1:4-5
Paakanga achinavo, akavati vasabve muJerusaremu asi kuti vamirire chitsidzo chaBaba chiya chavakanzwa achiti, “Makandinzwa ndichiti, Johani akaombeka nemvura asi kusati kwapera mazuva mazhinji muchaombekwa naMweya Mutsvene.”
4
Mabasa 1:3
Mushure mokutambudzika kwake akazviratidza kwavari kuti mupenyu nezvinhu zvakawanda zvinoita kuti munhu abvume kuti ichokwadi sezvizvi zvinoti: kuzviratidza kwavari kwamazuva makumi mana uye kutaura nezvoumambo hwaMwari.
5
Mabasa 1:9
Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari.
6
Mabasa 1:10-11
Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena. Vakati, “Ko imi vanhu veGarirea makamirirei makatarira kudenga? Jesu iyeyu atorwa pamuri achienda kudenga achauya nenzira imwecheteyo sokumuona kwamaita achienda kudenga.”