1
Zvakazarurwa 7:9
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona vazhinjizhinji vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi, vamire pamberi pechigaro choushe, napamberi peGwayana, vakapfeka nguo chena, vakabata muchindwe mumaoko avo
Compare
Explore Zvakazarurwa 7:9
2
Zvakazarurwa 7:10
vakadanidzira nezwi guru, vachiti, “Ruponeso ngaruve kuna Mwari anogara pachigaro choushe, nokuGwayana.”
Explore Zvakazarurwa 7:10
3
Zvakazarurwa 7:17
nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richavafudza, richavatungamirira kumatsime emvura youpenyu; Mwari achapisika misodzi yose kumeso avo.
Explore Zvakazarurwa 7:17
4
Zvakazarurwa 7:15-16
Naizvozvo vari pamberi pechigaro choushe chaMwari, vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake; iye, anogara pachigaro choushe, achavadzitira netabhenakeri. Havachazoziyi nenzara, havachazofi nenyota; havangapiswi nezuva kana nokumwe kupisa
Explore Zvakazarurwa 7:15-16
5
Zvakazarurwa 7:3-4
achiti, “Musatadzira nyika, kana gungwa, kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.” Ndikanzwa kuwanda kwavakaiswa chisimbiso; vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva kumarudzi ose avana vaIsiraeri.
Explore Zvakazarurwa 7:3-4