1
Zvakazarurwa 2:4
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Asi handifari nechinhu ichi kwauri, kuti wakasiya rudo rwako rwokutanga.
Compare
Explore Zvakazarurwa 2:4
2
Zvakazarurwa 2:5
Naizvozvo rangarira pawakawa, utendeuke, ugoita mabasa ako okutanga; kana usingaiti saizvozvo, ndichauya kwauri; ndikabvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho, kana usingatendeuki.
Explore Zvakazarurwa 2:5
3
Zvakazarurwa 2:10
usatya izvo zvauchatambudzika nazvo. Tarira, Dhiabhori woda kuisa vamwe venyu mutorongo, kuti muedzwe; muchatambudzika mazuva ane gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yohupenyu.
Explore Zvakazarurwa 2:10
4
Zvakazarurwa 2:7
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; anokunda, ndichamutendera kuti adye muti woupenyu, uri muParadhiso yaMwari.
Explore Zvakazarurwa 2:7
5
Zvakazarurwa 2:2
Ndinoziva mabasa ako, nokutambudzika kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haudi kuonana navanhu vakaipa; wakavaedza ivo vanoti, tiri vapostori, vasi ivo chaivo, ukavawana vari venhema
Explore Zvakazarurwa 2:2
6
Zvakazarurwa 2:3
ukatsungirira nokuva nomwoyo murefu nokuda kwezita rangu, ukasaneta.
Explore Zvakazarurwa 2:3
7
Zvakazarurwa 2:17
“Ane nzeve, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda, ndichamupa mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, napabwe iro zita idzva rakanyorwapo, risingazikanwi nomunhu, asi naiye anoripiwa.
Explore Zvakazarurwa 2:17